Kwayedza
‘Ndinorwadziwa nekuchengeta mwana wandakamitiswa nababa’
MUSIKANA ane makore 18 okuberekwa, uyo watichapa zita rekuti Talent senzira yekumuchengetedza sezvo achiti akabatwa chibharo ndokumitiswa nababa vake vekumutumbura, anoti ari kurwadziwa zvakanyanya nekuchengeta mwana waakazobara mushure mekubatwa...
Read Full Story (Page 2)GUNDURU AVIGWA SEMBINGA
GIFT Kembo, uyo aizivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti Majibha, aive munhuwo zvake. Kwemakore anodarika makumi maviri airarama nekupemha uye nekushanda mudzimba dzevanhu muBudiriro 5, muHarare achigara pamhene pazvitoro zveko Hukama uhwu...
Read Full Story (Page 2)MARI ITSVA YEMAZIG YAVEPO: RBZ
MARI itsva yemaZiG yavepo uye yamirira kuti ichiendeswa kumabhanga nemamwe mapoka ari mubhizimisi rezvemari zviri pamutemo, vanodaro Gavhuna weReserve Bank of Zimbabwe (RBZ), Dr John Mushayavanhu, vachisimbisisa kuti bhanga guru iri riri kutora matanho...
Read Full Story (Page 3)Murume oshevedza mhuka dzesango nebhosvo renyanga yemhembwe
HARAHWA ine makore 75 okuberekwa inogara mumusha waSabhuku Taona, mudunhu raMambo Chikwizo, kwaMutoko, kuMashonaland East, inoti inoshevedza mhuka dzesango pamwe chete nenyoka nekuridza bhosvo rakagadzirwa nenyanga yemhembwe. Sekuru Richard Karunzva...
Read Full Story (Page 2)TEZVARA ONZI ADZOSERE MUKUWASHA PFUMA YEROORA
IMWE mhuri yekwaMakoni, mudunhu reManicaland, yakanzi nedare ramambo weko idzosere mukuwasha mari yose yaainge abvisa seroora mushure mekutadza kuendesa mwanasikana wavo kumurume zvisinei nokuti ainge aroorwa makore anoda kusvika makumi maviri...
Read Full Story (Page 2)‘RECIPE’ YEKUBVISA RUKAWO: DZVINYU, DATYA
MUDZIMAI ane makore 23 okuberekwa wekuChitungwiza anoti akamanikidzwa kushinha nedzvinyu, mushure mezvo ndokuzobatwa chibharo kakawanda nemurume waaimbodanana naye, zvichinzi iyi yaive mhiko yekumuroyonora rukawo kuitira kuti asazoite dambudziko kana...
Read Full Story (Page 1)Mudzimai aramwirwa kumuporofita mushure mekufumura chibharo
MHURI yemudunhu raMambo Kandeya, kuMt Darwin, inonzi yakadzinga mwanasikana pamusha ndokumuramwira kumuporofita, uko ari kubatsirwa mushure mokunge afumura kuti akabatwa chibharo nababamukuru vake. Mudzimai uyu, uyo ane makore 23 okuberekwa, anoti...
Read Full Story (Page 2)‘NDAKABVISWA HUMHANDARA NEZVIKWAMBO’
MUDZIMAI ane makore 22 okuberekwa wekuMberengwa anoti akabviswa humhandara nezvikwambo uye kunyangwe zvazvo akazoroorwa, parizvino anonzwa kufarira kusasana nazvo kudarika nemurume wake. Mudzimai uyu, uyo watichapa zita rokuti Janet senzira...
Read Full Story (Page 2)AKABATA AMAI CHIBHARO, NDOKUVAPONDA
NGOZI yaambuya vanonzi vakabatwa chibharo, ndokuzopondwa nemwanakomana wemudzimai mudiki pachipari papurazi reMatetsa, kwaMambo Chimoyo, kwaMutoko, mugore ra2014, inonzi yoda kuripwa nemombe 13. Mbuya Susan Madhuku Chomusina, avo vakapondwa vave...
Read Full Story (Page 2)Dzinza roremara makumbo tateguru aba mhembwe pamusungo
VEMHURI inobva mumusha waSabhuku Chigwada, mudunhu raMambo Negomo, kuChiweshe, vanoti tateguru wavo akaba mhembwe yemumwe muvhimi yaive pamusungo, izvo zvokonzera kuti vana vose vanozvarwa vange vakaremara makumbo mudzinza rose. Dambudziko iri...
Read Full Story (Page 2)Danhiko yawaniswa rutsigiro rwemazai, huku
DANHIKO Secondary School, iyo ine vadzidzi vakaremara nevasina, yakawaniswa rutsigiro rwemazai 3 600 uye huku dzinodarika 100 kubva kukambani yeIrvine’s nguva pfupi yadarika. Izvi zvakaitika pamhemberero yeWorld Egg Day, iyo yakaitirwa pachikoro ichi,...
Read Full Story (Page 2)Mapositori, vagari vemumusha vorwira mahekita 36
YAKAVE bata murefu, bata mupfupi mumusha waKatena, kuChiweshe, mudunhu reMashonaland Central, nguva yadarika apo vanamati vechipositori vakarwisana zvinotyisa nevagari veko nokuda kwenzvimbo yemafuro inosvika mahekita 36, iyo inonzi yakapihwa...
Read Full Story (Page 2)TOKOLOSHI: MARI YONYANGARIKA MUFONI
Hatizivi kuti inoenda kupi; inongonyangarika. Zvinhu izvi zvinotumira mashoko panhare dzedu okuti ndizvo zvatora mari yedu”
Read Full Story (Page 1)ZVIDHOMA ZVAMUKA CHIBHEBHENENGA
“Vanasikana tinoitwa madzimai masikati kana usiku nezvinhu zvatisingaoni. Izvi zviri kuitikawo kuvaroora, avo vanoguma vave kutiza pamusha.”
Read Full Story (Page 1)Murume apofomara achangowana nzvimbo yekudzidza paPoly
MURUME wemakore makumi matatu okuberekwa anogara kwaMasona, kwaSeke, anoti shungu dzake dzekunodzidzira basa remaoko paHarare Polytechnic dzakaenda mudondo mushure mekungoerekana apofomara mukati menguva pfupipfupi achangovamba zvidzidzo...
Read Full Story (Page 2)Mukuwasha, ambuya vorwira zita remwana mucheche
MURUME ane makore 34 okuberekwa anogara mumusha weBudiriro 1, muHarare, arikuvirukanehashazvichiteverakutumidzwa zitakwakaitwamwanakomanawakemucheche naambuya vake, amai vemudzimai, izvo zvaanoti hazvipindirani netsika dzechivanhu. Nyaya yekutumidzwa...
Read Full Story (Page 2)Mwanakomana (12) azvisungirira mumuti
MAPURISA ari kuferefeta nyaya yemwanakomana ane makore 12 okuberekwa uyo ane mutumbi wakawanikwa musango wakarembera mumuti kuBindura. Mutauriri wemapurisa mudunhu reMashonaland Central, Inspector Milton Mundembe, vanotsinhira nezverufu rwaClive...
Read Full Story (Page 3)MHURI YOONESWA NDONDO NEZVIDHOMA
IMWE mhuri inogara pedyo nenhandare yendenge diki yeCharles Prince Airport kuMt Hampden muguta reHarare inoti inorarama yakaputirwa neminyama mikuru, ichirohwa nezvidhoma uye kushungurudzwa zvakatsaukana-tsaukana. Kumusha, mhuri iyi inobva kuGuruve,...
Read Full Story (Page 2)Ngozi yaburitsa umhondi kwapera makore 13
NYAYA yeumhondi hwakaitwa mugore ra2015 mumhuri yechipari chemadzimai maviri papurazi reMatedza kwaMambo Chimoyo, kwaMutoko, apo mwanakomana wemudzimai mudiki akaponda vahosi, achivapomera mhosva yeuroyi yakazoburitswa nengozi yave kusvika...
Read Full Story (Page 2)Mwanasikana (8) atapwa, ndokugarwa naye mubako kwemasvondo 2
MAPURISA ari kufeya nyaya yemwanasikana ane makore masere okuberekwa, uyo akatapwa nemumwe murume kuNdanga, kuZaka, achibva agarwa naye mubako kwemasvondo maviri, apo mupari wemhosva aitaura kuti aida kubhadharwa US$500 kuti aregedze mwana uyu. Nyaya...
Read Full Story (Page 2)Murume arasika njere abata hari mugomo rinoyera
MURUME wekwaMambo Mutasa, mudunhu reManicaland, anonzi akatanga kuita seanorasika njere kana kubatwa nemweya wakaipa mushure mokunge akwira rimwe gomo reko rinonzi rinoyera, ndokubata hari yevhu yaakawana apo akachera pasi. Izvi zvakabuda mudare...
Read Full Story (Page 2)MUDZIMAI (21) AFA NEMUSHONGA WEKUKUDZA SIKARUDZI
MUDZIMAI ane makore 21 okuberekwa, uyo aigara kuOverspill, kuEpworth, anonzi akafa mushure mekushandisa mushonga wechivanhu wekuvandudza sikarudzi. Jacqueline Gatsi Terepi, uyo airoja kuchikamu chedzimba dzekumaD kuAuction, kuOverspill, anonzi akafa...
Read Full Story (Page 2)MWANAKOMANA (18) AFA AONA ‘MAPERE’ USIKU
MUKOMANA ane makore 18 ekuberekwa wemumusha waSabhuku Rubatika Zimunhu kuDema, mudunhu raMambo Seke, anonzi akafa mushure mekushanyirwa nevaroyi usiku aenda kunochengeta pamba pemuvakidzani apo akaona mapere iye ndokufungidzira kuti dzaive...
Read Full Story (Page 2)MHURI YOFIRWA MUMWEDZI 3 MIMWE CHETEYO GORE ROGA ROGA
IMWE MHURI yekuDotito, kuMt Darwin, iyo inopinda chechi yeJohane Marange, inoti iri kufirwa zvisina tsarukano kubva muna Nyamavhuvhu kusvika Gumiguru gore roga roga. Dambudziko remhuri yekwaGudyani, iyo inobva mumusha waSabhuku Dare, rinonzi rakatanga...
Read Full Story (Page 2)MURUME (21) AFA ‘ADZIPWA’ NENGOZI YAMUKOMA
MURUME ane makore 21 ekuberekwa wekuDema, kwaSeke, anonzi akafa mushure mekudzipwa nengozi yemukoma wake mune rimwe bhawa reko, iro rakaponderwa mukoma wacho zvakare. Mushakabvu uyu, Tashinga Chirunga (21), anonzi akadzipwa nengozi yaTapiwa...
Read Full Story (Page 2)NHUME YAMAMBO YAPONDWA NEMUSUNGWA
“Pakunoda kugashidzwa magwaro emasamanisi aya nemupurisa kana kuti nhume yamambo, pakabva paita kutadza kunzwanana, ndokubva vatanga zvimbokoma. Maketo anonzi akazoshandisa chituru nedemo kurova mupurisa uyu”
Read Full Story (Page 1)Mwanakomana oti amai munofa rinhi sevamwe
CHEMBERE ine makore 72 ekuberekwa inobva mumusha weOverspill kuEpworth inoti yaoneswa ndondo nekugara ichirohwa nemwanakomana wayo, anove gotwe, achiti inofa rinhi kuitira kuti asare achitora imba yairi kugara. Gogo Annah Vasco vanoti vari...
Read Full Story (Page 2)Njovhera yandiorora: Muporofita
MUPOROFITA wechechi yeJohane Masowe yeNguwo Tsvuku wemuguta reHarare anoti nyaya yekuita mesomeso yamuparira zvichitevera kuyaura kwaari kuita nechirwere chenjovhera, icho akatapurirwa neshamwarikadzi yake. Muporofita uyu, uyo akakumbirisa kuti zita...
Read Full Story (Page 2)‘VANA 2 VAKAFA NDADIRWA MVURA YEMUMAGATE’
MUDZIMAI anogara kuHatcliffe muHarare uye kumusha achibva kuMarembera, kuUzumba, anoti vana vake vaviri vakafa vasina kurwara mushure mekunge adirwa magate maviri emvura nemumwe muporofita achinzi iyi yaive nzira yekumubvisa mìnyama. Mai Rodah Penzwa...
Read Full Story (Page 2)‘NDAKAPINZWA MUSATANISM KUJONI’
MUDZIMAI anobva kuDhirihori, mudunhu raMambo Svosve, kuMarondera — uyo ava kungomberereka mumigwagwa yemuHarare — anoti akapinzwa muchitendero cheSatanism nevanhu vaaigara navo munyika yeSouth Africa, uko akange aenda kunotsvaga basa. Mai Eunica...
Read Full Story (Page 2)‘Tsika dzakanaka dzawondongwa’ . . . tezvara vodanana nemuroora
TSIKA dzedu sevanhu vatema dziri kumboenda kupi? Nhasi uno hazvichashamisi kunzwa kuti mukuwasha ari kudanana naambuya kana kuti tezvara vari kupisa rudo nemuroora. Kuti ndicho chirungu chakati kuuya here ichi? Asi vamwe zvavanoti chirungu chacho...
Read Full Story (Page 2)Zim yochema mhare Dr Chidyausiku . . . varadzikwa
MUPEPETI wekutanga webepanhau reKwayedza, aive zvakare nyanduri nemunyori wemabhuku ane mukurumbira, Dr Paul Chidyausiku, avo vakashaika nemusi weChishanu chadarika, vacharamba vachirangarirwa muZimbabwe nebasa guru ravakabata rekusimudzira nyaya...
Read Full Story (Page 2)‘Mapfekero haizi pasipoti yekubatwa chibharo’
HURUMENDE yobatana nemasangano akazvimiririra mukurwisa nyaya dzemhirizhonga kuvanhukadzi, kunyanya idzo vapari vemhosva nenharaunda vanogona kunenera mapfekero emunhu vachiti ndiwo akonzera kuti abatwe chibharo, zvinova zvisingagamuchirwi...
Read Full Story (Page 1)Mabhidhiri: Maguruvhani orozva vanhu nenyuchi . . . oshandisa ‘queen bee’
KANDIERO NYAYA yenyuchi dzinonzi dziri kutumirwa vanhu vanenge vatadzira vamwe nenzira dzakadai sekuvabira mari kana midziyo yavo yokonzera mitauro yakawanda-wanda sezvo pane fungidziro huru kuti aya mabhidhiri ari kuitwa nemamwe maguruvhani. Mazuva...
Read Full Story (Page 2)Mudzimai ane mazamu akarebesa . . . achiri kungokura
MUDZIMAI ane makore 36 okuberekwa anobva kuShamva kudunhu reMashonaland Central ane dambudziko rine musiyano remazamu ari kungoreba achibuda ropa ayo parizvino ave kutoda kusvika mumabvi ake kana kuti mita imwechete pahurefu. Mai Marbel Manyaura vaive...
Read Full Story (Page 2)Herentals, Black Rhinos Queens zvorwira Uhuru Cup
APO Zimbabwe iri kupemberera kusvitsa makore 45 yawana kuzvitonga kuzere nemusi weChishanu chino, mhemberero huru idzi dzichiitwa kwaNembudziya kuGokwe, veruzhinji vachange vaine chidokwa-dokwa chekuda kuonawo nhabvu yevanhukadzi. Kekutanga...
Read Full Story (Page 1)Makore mapfumbamwe (9) ndichirikitwa nemurume
MUDZIMAI wekuHighfield, muHarare anoti akatanga kutora zvinodhaka senzira yekuti asanzwe marwadzo ekugara achirohwa neaimbove murume wake izvo zvakaona achirohwa kwemakore mapfumbamwe. Chipo Kahuni (38) akataura nyaya yake nguva pfupi yadarika...
Read Full Story (Page 2)Imba yonzwikwa mazwi evanhu vasingaonekwe
MUNYAYA ine manenji mukati iri kuitika kwaSabhuku Chinamano kuDema kudunhu raMambo Seke, kune musha watadza kugarika apo pane imba inonzi yakavakwa pamusoro pemakuva umo mudzimba macho muri kunzwika mazwi evanhu vasingaonekwi achitaura kuti vashakabvu...
Read Full Story (Page 2)‘Nyoka iri kupinda nekutsoka’
MURUME anobva kwaSabhuku Kanhukamwe kwaMambo Negomo kuChiweshe, kudunhu reMashonaland Central anoti aona nhamo nekupindwa nenyoka nekutsoka iyo anozonzwa yava mudumbu. VaKaridza Nyabuya (43) vanoti dambudziko iri rakatanga gore rakapera vachichera...
Read Full Story (Page 2)Chitunha chakapinzwa mumba nepamusoro pemba
MHURI inogara kudunhu raMambo Chinhamora, kuDomboshava yakapinza mutumbi wababa vavo mumba nepahwindo nekuuburitsa nepo zvekare uye ndokuzoupinza muimba yekubikira nepamusoro pemba nekuuburitsa pakunouviga izvo zvinonzi zvave kukonzera mushakabvu uyu...
Read Full Story (Page 2)Mhuri yapata musha nekurohwa nezvidhoma
MHURI inogara kuStoneridge, muHarare inoti yaoneswa nhamo nekurohwa nezvidhoma izvo zvakonzera kuti vamwe vana vapate musha vachitizira kunzvimbo kwakasiyana. Mai Nolin Hwende (38), avo vane vana vaviri vari kurohwa nezvidhoma, vanoti vashaya rugare...
Read Full Story (Page 2)Mhuri yorumwa, kutemerwa nyora nezvisingaonekwe
MUNYAYA inota sebhaisikopo kana kuti firimu, mhuri inogara kuParkrage kuKuwadzana Extension, muHarare inoti yaoneswa pfumvu nekurumwa nezvinhu zvisingaonekwi, kuchekwa-chekwa muviri nemapanga anobva mumhepo uye nekutemerwa nyora nereza dzisingaonekwe...
Read Full Story (Page 2)Mudzimai (45) asungwa ahaiwa kuzviita muroyi
MUDZIMAI ane makore 45 okuberekwa wekudhorobha reKwekwe anonzi akabhadharwa mari nemumwe muporofita ane mbiri munzvimbo iyi kuti anozviita muroyi pasowe rake nechinangwa chekuti aite mukurumbira izvo zvakazoona vaviri ava vachisungwa vose nekuda...
Read Full Story (Page 2)Chitunha chakavigwa chisina musoro
MHURI inobva mumusha waSabhuku Chikuyo kwaChigango kudunhu raMambo Chiswiti kuMukumbura, kuMt Darwin izere nekushushikana uye nekutya zvichitevera hama yavo yechirume yakapondwa ikadamburwa musoro nekubviswa sikarudzi, tsoka uyewo nezvanza zvemaoko...
Read Full Story (Page 2)Vanopinza zvinhu munyika nechikiribidi hokoyoyi!
VANASIKANA vemakore 44 ekuberekwa, avo vanova mapatya kana kuti manyambiri, vemumusha weKuwadzana 5 muguta reHarare vanonzi vapedza makore makumi maviri vachigara vakavharirwa mumba nababa vavo nekuda kwechikonzero chekuti vanorasika njere. Vanasikana...
Read Full Story (Page 2)‘Buju’ ozvambaradza amai (78)
CHEMBERE yemakore 78 okuberekwa, iyo inova shirikadzi, yekuKambuzuma Section 1 muguta reHarare yogara senhapwa pamba payo zvichitevera kurohwa uyewo nekutukwa zvekusvitswa kutsime nemwanakomana wayo. Mbuya Rebecca Manuwere (78) vanoti vaoneswa ndondo...
Read Full Story (Page 2)Mwana (13) arwisana negava akarikurira
MUCHIITIKO chinoshamisa, mwanakomana ane makore 13 okuberekwa wekwaSabhuku Chibvongodze kwaChizanga kwaMambo Mangwende, kwaMurehwa akarwisana negava zvekuita gumi rakadya vaviri naro masikati machena kusvikira ari kurira rikazotiza richimusiya. Izvi...
Read Full Story (Page 2)Sekuru vakabata muzukuru (11) chibharo nekuda kwedivisi
MHURI inogara kuUshewokunze, muguta reHarare — kumusha ichibva kwaSabhuku Sakhile Moyo kudunhu raMambo Nduku, kuZhombe — yopatsanurana nekukakavadzana nekuda kwenyaya yekubatwa chibharo kunonzi kwakaitwa muzukuru, panguva iyo aive nemakore 11...
Read Full Story (Page 2)‘Nyoka yoshinha neni pamadiro’
MUDZIMAI anogara mumusha weSouth View Park kuFidelity, muguta reHarare - kumusha achibva kwaSabhuku Mupinga kwaChiwara kwaGutu, kuMasvingo - anoti aona nhamo nekushinhwa naye nenyoka izvo zvaive kuita kuti afunge kuzviuraya. Mai Kumbirayi Chiwara (43)...
Read Full Story (Page 2)Azviuraya arombera kupfuma nekutengesa zviwitsi
MHURI inobva kwaSabhuku Mutsvakiwa kudunhu raMambo Nemangwe, kuGokwe inoti ine kutya kukuru zvichitevera nyaya yemwanasikana wemumusha uyu aive akaroorwa uyo anonzi akanwa muchetura ndokufa mushure mekubuda pachena kuti akaromba nekuda kupfuma...
Read Full Story (Page 2)Afa abaiwa nepfumo nembavha
MURUME ane makore 38 okuberekwa wekuTriangle, kuChiredzi akafa mushure mekubaiwa nepfumo nemakororo aiba chibage chinyoro mubindu revavakidzani vake apo mbavha idzi dzakabatikidzwa dzichiba husiku. Mutauriri wemapurisa kudunhu reMasvingo, Inspector...
Read Full Story (Page 2)Mwana (4) akavigwa amai vasingazive
MUDZIMAI wekwaRusape, Jane Muzvuve, ari kuda mhinduro mushure mekunge mwanakomana wake ane makore mana okuberekwa avigwa nehama dzemurume wake waakarambana naye asingazive. Mwana uyu pane fungidziro yekuti akafa nekudya chikafu chine muchetura icho...
Read Full Story (Page 2)‘Ndatambura nekushinhwa nemurume asingaonekwe’
MUDZIMAI ane makore 44 okuberekwa wekuHobhouse, kwaMutare, uyo ane vana vana (4) ari kutaura mashoko anokatyamadza ekuti ari kuoneswa ndondo nekushinhwa naye nemurume asingaonekwe izvo zviri kuitika akasvinura. Vachitaura muhurukuro yavasina...
Read Full Story (Page 2)Murume akachekwa rurimi ndokutizwa narwo
MURUME ane makore 31 okuberekwa wekuBurma Valley, kwaMutare ane rombo rakanaka rekurarama mushure mekunge vanhu vana (4) — kusanganisira mumwe mukadzi — svondo rapfuura vakamubatirana ndokumucheka rurimi uye ndokuzonyangarika nechimwe chidimbu charwo...
Read Full Story (Page 2)Mhuri yapona neburi retsono yadyiswa dhibhi
VANHU gumi vemhuri imwechete vepapurazi reDunkirk kunharaunda yeFurtherstone kuChikomba, kuChivhu vakapona neburi retsono mushure mekudya chikafu chaive chabikwa nedhibhi nekusaziva apo nyakubika akafunga kuti muchetura uyu aive mafuta...
Read Full Story (Page 2)Nhamo dzandimomotera, anodaro Paradzai Mesi
MUIMBI akamboita mukurumbira — Paradzai Mesi — uyo anotungamirira chikwata cheNjerama Boys, anoti hupenyu hwamuomera sezvo asiri kukwanisa kuita mashoo zvichitevera kurumwa zvakaipisisa kwaakaitwa nembwa kumaruwa ekwaSeke uko ave kugara nekudaro ari...
Read Full Story (Page 2)Chipoko ‘choramba’ kuti imba itengeswe
MHURI inogara pamba pavakasiirwa nevabereki vavo vanove vashakabvu kuMufakose muguta reHarare inoti yanetswa nechipoko chaamai icho chinonzi chinopinda mumba nekutenderera pachivanze pasina kutaura zvichitevera kutengeswa kwakaitwa imba iyi. Baba...
Read Full Story (Page 2)Ofunuka muviri anokorwa tsoka
MURUME wekwaSabhuku Mazhuwana kwaMambo Kasekete, kuMuzarabani anoti akanokorwa tsoka nehama yake yepedyo ikanokangwa ne‘‘juju” izvo zviri kukonzera kuti afunuke nekusvuuka mukati metsoka pamwechete nemumaoko. Sekunge izvi zvisina kukwana, mwana...
Read Full Story (Page 2)Mwanakomana anorova amai vari musvo
MURUME wekuNyanga wekurova amai vake nyakumutumbura vane makore 62 okuberekwa vari musvo apo aive akadhakwa nedoro akatemerwa chirango chekufondoka pasina mubhadharo kwemaawa 210 nedare reko nekuda kwemhosva iyi iyo inotaridza kushaya hunhu...
Read Full Story (Page 2)MWANA (15) OSANDUKA KUITA SEMHUKA
MUDZIMAI anogara kuKalfa, kuNorton anoti ashaya zano rekuita nedambudziko remwanasikana wake uyo anosanduka chiso chichiita sechemhuka uye mwanakomana anozviruma makumbo achidya nyama yacho. Mai Revai Ngirazi Bota (46) vanoti murume wavo akatovatiza...
Read Full Story (Page 1)Ngozi yoda nzou, mombe 35
VANHU vaive mudare raMambo Mutasa kwaMutasa, kudunhu reManicaland vakasara vasina neremuromo apo mweya wengozi unonzi wakataura kuti unoda kuripwa nenzou hadzi pamwe nemombe 35. Mweya wengozi yaLazarus Madekerera, uyo waisvika pane mumwe mwana wemhuri...
Read Full Story (Page 2)‘Ndakaisirwa muchikafu pamuchato wangu’
MUDZIMAI anogara kuSolomio, kuRuwa anoti anonzwa mazwi anotaura zvinotyisa munzeve dzake, anorota achimonerwa nemazinyoka uye dzimwe nguva anozongobengenuka ave kumakuva asingazive kuti aendako sei. Mai Zinene Sithole (40) vanoti dambudziko ravo iri...
Read Full Story (Page 2)BABA VAKATIZA MWANA (3) AKAREMARA
MUDZIMAI anogara mumusha weBudiriro 5B, muguta reHarare, anoti ave kudya nhoko dzezvironda zvichitevera kutizwa kwaakaitwa nemurume wake achinogara nemumwe mukadzi achimusiya aine mwana uyo asina makumbo nemaoko. Mai Marjory Muzhanje (32) vanoti...
Read Full Story (Page 2)Vosonwa ne’tudhara’ tupfupi
MHURI inogara mumusha weEngineering, kuHighfield, muguta reHarare, inoti yaona nhamo nevana vanonzi vanoona nyoka, mapere netuvanhu tupfupi pamba pavo asi zvisingaonekwe nevamwe. Iri idambudziko rakatarisana naMai Eugenia Maguma (37) nemurume wavo...
Read Full Story (Page 2)































































